‘Stop embarrassing the party’

via ‘Stop embarrassing the party’ | The Herald February 11, 2016

*We publish here the full address by President Mugabe to Zanu-PF supporters ahead of zanu-pf’s first Politburo meeting for 2016 at the revolutionary party’s national  headquarters in Harare yesterday

PAMBERI neZanu-PF, neZanu-PF, nekubatana, kubatana!

Pamberi neWomen’s League, neWomen’s League, nokutsigira Womens League!

Kutsigira madzimai edu!

Vanamai vedu!

Vachengeti vevana vedu!

Kubatana muparty!

Pamberi negwara! Negwara! Pasi nevanoda kunyonganisa musangano! Pasi neMDC. Icho! Icho! Icho! Mazvita!

Mai Mugabe, MaVice President vedu VaCde Mnangangwa naCde Mphoko .

Vatungamiri vamwe vemadzimai, Mai Sandi vatanzwa vachitaura pano, nevamwe vatungamiri vekumadzimai vanova ndivo vane hoka iri pano iyi.

Ihoka, inhimbeka iyi.

Ehee, tinokutendai.

MaMinisters vedu VaChombo vanova ndivo secretary veAdministration variMinister veHome Affairs.

Ndakanganwa VaMohadi, varipanowo futi. Vakabata nhengo yedu yerunyararo yeintelligence yeSecurity asi vari nhengo yePolitburo.

Dzimwe nhengo dzePolitburo dziri pano anaCde Sekeramayi vanova Minister of Defence zvakare vari nhengo yePolitburo. Ivo vanonzi ndivo mai vemusangano, nokuti macommissar takagara tichiti ndivo mai vemusangano kubvira kare tichiri kuhondo, VaKasukuwere.

Vaye vakomana veYouth League, vose nachairman, veYouth League.

Ndakati ndinoda kuita hurukuro naye asafunge kuti ndamukanganwa, ayewa tichasangana zvedu. Ngaasandivenge.

Vese nevatungamiriri veYouth League vari pano, vatungamiriri vemadzimai vekumaprovinces ese vari pano, machairpersons vemaprovinces.

Tanzwa vamwe vatikwazisawo varipano apa, madzimai ose aungana pano, hanzi varume vari pano vangopfekerawo zvavo, kana ivowo.

Ko kunenge kwaita doro, ringangonwiwe nemadzimai oga nhai nhai? Handiti varumewo vanobatawo katemo, wosvikawozve semunhurume anzwa kuti aiwa, kune nhimbe uku.

Unosvikawo pane ruzhinji. Ndozvagara zvichiitwa. Saka madzimai musatuka varume kuti, ahh, vauya vasina kukokwa.

Vangonzwawo kuti kune nhimbe. Ndoku saka vauya. Saka tendai, naivowo tinovakwazisisawo zvikurukuru.

Asi ndokukwazisai imi nehuwandu hwenyu kundimuka kwamaita kubva kune mamwe maprovinces.

Tine hurombo kana kune vamwe vanga vasinganzwisise, vadzivisa madzimai kuuya.

Ndozvimwe zvezvimwe zvatichange tichikurukura pamusoro pazvo. Ndinofunga vamwe havana kunzwisisa. Zvinenge zvisina kunaka kana makanga makumbira zvaizivikanwa kare kuti munoda gungano rino. Ini ndakatozorinzwa marimwezuro ayo, but makanga makumbira zvainge zvisina kurambidzwa.

Ndakapihwa tsananguro yakanga yakanaka.

Inga wani takagara zvakanaka pano. Hapana bishi.

Ehe, ndinoda nemoyo wese kukutendesesai nekuuya kwamaita.

Kukutendesai, kwete kuti mauya nemuviri yenyu, miviri inongova mumvuri asi moyo yenyu. Moyo yenyu ndoyandinotenda zvikuru.

Chido chenyu, pfungwa dzenyu! Madzimai magara muchida.

Magara muchifunga zvemberi! Magara muchisimbaradza musangano.

Ndimi vatinoti musimboti wemusangano.

Tikakushayai, musangano mbombombo nokuti murume haagone kubata mugotika.

Imbodza yega yega inobuda mupoto. Saka ndewenyu mugoti.

Hatisirisu takakupai mugoti wacho kwete. Ndiye Musiki. Ndiye Musiki akakusikai achiti ndimi muchazova muchengeti wemurume uyu akanga ongotambura ogaoga achiti nhai imo musango muno umu.

Ahiii! Hongu, mungaite zvokudya michero yakawanda? Ko, chiiko? Shiri ndodzondoshamwaridzana nadzo here? Ndopaakazopiwaka iye Eva. Ndokunzwa kwatinoita muBhaibheri, kuti agova shamwari wake. Agova mudzimai wake! Agova zvakare mumwe waanoti pauviri hwedu sewe weuviri wapihwa simba.

Dumbu rako rekubereka tichazowanza rudzi rwemhuri. Saka muri vawanzi verudzi, muri vachengeti varo. Nokuti hapana angambomirira murume achiti sikirire ndiri pano ndakadonha sechivhuramahwe.

Ndingade kumuona murume wacho asina kupedza nine. Mwedzi mipfumbamwe akapfumbatirwa mudumbu imomo. Ndiyani? Nhasi wonzwa achiiti, ahh kunanamai, vanotukwa.

Tonzwa kuti varohwa. Akarova amai, zvimwe tozvinzwira mumapaper. Kana varume vakarova mudzimai, vakauraya mudzimai ahh, ko zvinobva nekupi?

Saka muri vanhu vakakosha. Vanhu vakakoshesesa vatinosungirwa kurumbidza. Ndezvehupenyu izvi. Tasvika kumusangano tisina Women’s League, chokwadi hatingambopabudi election. Kana kuhwina kana, kana! Saka hamusi vanhu vekutsvinyirwa kwete. Rudzi rwatinoti tinarwo muZimbabwe nderwenyu.

Tinokutendesai pakukosha kwenyu ikoko. Ndoozvakatipa kucherechedzawo musangano kuti chimiro chemusangano chinosungirwa kuvapo mumusangano.

Tikazvitora namasimba patakawana hurumende, tabva zvakare mukurwisa vavengi.

Tikazviisa mugwaro tichinzi hapasisina zviya zvekuti madzimai anonzi paanoshanda mushando mumwechete muhurumende, aiwa, havana kukosha vanopiwa mari yakashomeka.

Varume ndivo vaipihwa.

Kana vevarungu zvaiva zvimwechetezvo, vanga vasingapiwi yakaenzana nevarume vevarunguwo. Tikanzi aiwa, pasi nazvo.

Vaiita basa rimwechetero, mari ngaive imwe cheteyo. Takazvisusukidza kunyanya nedzidzo yevana nanababa. Vaiti mwanasikana, haa, acharoorwa. Haiwa, haandipe nhaka. Nhaka yangu inobva kumwanakomana.

Ndikati aiwa, handizvo. Mwanakomana akabva kupi, akabva kuna amaika?

Saka dzidzo ngaive yevana vose.

Vana vose vanekodzero yekudzidziswa. Saka takati education for all.

Kusimudzira madzimai, nekuti padzidzo vakange vasaririra kune varume.

Saka chionai, nhasi uno, muzvikoro medu. Vanasikana ndivo vati pfuurei zvishoma vanakomana. Nhasi uno. Ndoozvatinoda izvozvo.

Gender equality, gender equality takaenda nayo. Ndooyatiinayo.

Inonzi theme, hurukuro. Inosungirwa kuvapo kwegore rese. Kupfuura gore rese, zvichipinda mumaitiro eAfrican Union. Rukudzo! Rukudzo! Rukudzo! kumadzimai.

Tapihwa rukudzo rwekuti tive chairperson weAfrican Union, chakapinda mupfungwa nemumoyo mangu tichienda kuAddis Ababa, ndakati handidi kuenda ndichingova ini Mugabe woga.

Aiwa, ndiri kuenda ndakatakura mhuri yeZimbabwe.

Moyo yavo, pfungwa dzavo, chido chavo. Ndikakanganisa, ndikakanganisa, handishorwe ndirini, zvinonzi Zimbabwe yatadza.

Saka izvozvo zvakaita kuti ndiedze nekugona kwangu kwese kuti chimiro cheZimbabwe, kwete kuti chizivikanwe asi kuti chibva chasimudzirwa, chiende kumusoro-soro.

Ndakaongororawo kuti huchairman hwanga huchibatwa sei.

Ndikati kuna VaMumbengegwi, minister wedu wezvokunze, weForeign Affairs; ndikati tapedza musangano. Tapiwa huchairman.

Ngatisachimbidzei kudzokera kumusha. Ngatimboongororai tione kuti zvainge zvakamira sei.

So, takapedza mazuva matatu tichiongorora mabatirwo eAfrican Union yanga iripo naMai Zuma vanova ndivo chairperson weAfrican Union Commission.

MaCommissioner acho ndiwo anenge mapazi akafanana nemaministries anopihwa mabasa akati ekusimudzira zvakati.

Saka takaaongorora tichida kuona kuti tingavabatsire sei kuvapa gwara idzva. Takakurukura navo tikati mune ndima dzamakapihwa, mune maprogramme amakapihwa.

Ndikati tinenge tiripo pamaprogramme ese iwayo.

Huchairman huya hwekuti mapihwa huchairman nhasi wobva wangofunga kuti ndowekugara pazvigaro chete ndichazodzoka pameeting ichaitwa next time. Aiwa, takada kuti huve huchairman hune basa, wekuita basa chairo. Kwatinodaidzwa taienda.

Kwaitaurwa zveEbola, taienda. Kwaigadzwa mapresident, taienda.

Kwaive nehurukuro dzekubatana, sekuMali, taienda. Kuti tibva tava nechimiro chekuti chairman anenge aripo. Africa ndiyo ndiyo.

Izvozvo, ndoozvakatipa rukudzo rwakati kuti. Zvakazotisunda kuti tiende mberi ndezvekuti pakubatana kweAfrica neIndia, takazoenda kuIndia-Africa meeting yatakaita.

Tisati taita yaXi Jinping, President weChina. Ikoko zvimwechete. Takasunda Africa, tikataura, takagara pasi nemacompanies akawanda ave kuda kuuya kuAfrica nekuZimbabwe.

Kubva kuIndia akawandisisa.

Takatoita mazuva maviri tichitaura navo.

Kunze kwemeeting, tapedza mameetings, kumeeting ikoko, sezvamunoziva takazoteera gwara rekuronga kushanyirwa kwatakaita naPresident wekuChina.

Takazoenda zvakare kumeeting yeclimate change, musandu uri kuitika mumhepo dzemudenga dzinoita kuti dzimwe nzvimbo dzishaye mvura, kumwe ichibva yanaya ichiita chivhuramahwe chakakomba nekuputsa dzimba, nekuuraya zvakare vanhu, asi kumwe riri zuva roga roga. Kuti zvii zvirikusakisa izvozvo. Takaenda kuParis wo tikaita meeting iyoyo.

Ndookwatakatozobva tichimhanya, takatomhanya kugadzirira kushanya, kushanyirwa kwatakaitwa naXi Jinping President wekuChina kwavakaita mazuva maviri muno tichibva tayambukira kupi, kuSouth Africa kunoita musangano mukuru weChina neAfrica yose.

Saka mapresident akawanda, nyika dzakawanda dzeAfrica dzaiva dzakamirirwa ikoko nemapresident iwayo.

Wakava musangano mukuru watakaita ikoko, wakatisimudzirawo nokuti takava chairman wemusangano iwowo kuSouth Africa pamwechete naVaZuma. VeChina vakapa mari yakati wandei, about $60 billion kuti Africa ironge nyika, nenyika hurongwa hwekuti ibatsirike panyaya yemigwagwa, panyaya yeagriculture, panyaya yeindustry, panyaya yeeducation. Maprogramme avanokwanisa kuzobatsira nemari yese, iyo $60 billion achabatsirwa, asi isuwo takaita musangano navo.

Tikaita maprogramme ane zvinangwa zvaisvika gumi kuti tibatsirwe neChina zvisinei ne$60 billion iyi.

Uko tinonokora tese pamwe chete nedzimwe nyika. Asi zvatakataurirana pano navo ndezvedu izvo.

Zvino izvi ndirikukupai kuti muone kuti huchairman hwedu hwakava huchairman hwemaitiro akaita sei. Saka taipedza mazuva akati wandei tiri kunze kwenyikawo.

Kana tadiwa ikoko. Zvino, hongu. Zvakazoendererana nekuti pamusangano watakazoita munaJanuary unowu, watakazoturira veChad kuti vachitora, takapiwa nguva yekuti tipe hurukuro maererano nebasa ratakanga taita pahuchairman hwedu. Saka ndipo patakataura nezvakawanda zvekuti Africa yakabatana. Tinova continent huru huru inotyisa, asi toramba tichingodhererwa navachena.

Ndipo patakataura nezvakawanda zvekuti Africa yakabatana.

Tinova continent huru huru inotyisa asi tinoramba tichingodhererwa nevachena pamusana pokuti vanotarisa ganda redu.

Ganda redu tiri vatema, vari vachena. Vachena vekuEurope nekuAmerica vanotizvidza. Ngatizvisusukidzei isu vatema pachedu kuti Africa ive Africa yemaAfricans. Tichirumbidza hunhu hwedu, tsika dzedu, nemaitiro edu. Nyaya yekuti hatipiwi vote yakakwana muSecurity Council madingindira kwenguva huru. Gore negore, tinoenda munaSeptember chichemo chiri icho tipeiwo zvigaro izvozvo mapermanent seats asi vanongotarisa pasi.

Tinosvika kupi? Saka takazoti pfungwa dzedu dzasvika pokuti, zvinobatsirei kuti tirambe tiri muchimusangano matisingatorwe sevanhu vakakwana.

Yasvika nguva zvino yekuti tichiudza veganda jena vanovhaira neganda jena; their white skin and pink noses, kuti taakuzoda tose kubuda muchimusangano ichi.

Tinogona kuvaka imwe tikabuda. We are about a billion muno. Tiri pasi pebillion zvedu, tobatana neChina kana neIndia pamwe chetepo, togona kuita musangano mukuru kuru kudarika United Nations. Saka ngavarege kuramba vachitizvidza kudaro.

So ndozvezvimwe. Wakava musangano, takapiwa mbiri ikoko yakati kuti. Yakava bye, bye yatakavapa.

Takavazunzira chidembo.

Well, zviripo pachokwadi ndezvekuti isu kuno tingave nemutoro wemasanctions asi tachena papfungwa, tava nerudzidzo runopfuura nyika dzimwe dzakawanda dzemuAfrica.

Tava zvakare, tingati hakusi kuzvikudza, asi kuzvipa isu hunhu hwedu pamusoro. Kwete kuramba tichingobvumbana pasi kana taona varungu.

Zvaiitwa kare nemadzibaba kuti, yes baas, yes baas nekuti vangoona ganda jena, ah, ah. Dzimwe nyika hadzisati dzabva ikoko pamusana pokuti dzichiri kuramba dziine husahwira nenyika dzekuEurope.

France inotova nemasoja anogara mune dzimwe nyika. Nyika idzodzo dzichingoti gore negore, dzinoda kubatsirwa gore negore.

Isu hatina izvozvo takarumurwa kare kare nemaBritish. Saka takawana independence yedu muna 1980, chaiyo Independence, full Independence and Independence that dismisses any domination over it.

Hatidi nyika inotigara matumba kana. Vauya muno varungu, havauye vachivhaira kuti ah, tiripamusoro.

Aiwa!

Vanouya, ngavauye seshamwari.

Ngavauye vachida kushanda nesu, kwete kuti vatigare matunduru.

Zvakapera izvo. Zvino dzimwe nyika hadzisati dzabvisa that dominance over them by the erstwhile colonisers.

Saka vachiri kuramba vachipa rukudzo kunanaFrance vachitya zvakare kuti havangatsvake, havangaite zvakati.

Vamwe vanototya kuti vave vanobatana vachinzwanana neZimbabwe. Kana kukoka vamwe kuti vauye, ah vanovhunduka kuti vanobva vanzi muri kuenda kuZimbabwe, munoda kuva seZimbabwe. Vanobva vadududza.

Isu hatichatauri nezvekudududza nekuti takazvironga kare, tikazvipa ukuru kare. Zimbabwe for Zimbabweans.

Zimbabwe shall never be a colony again. Tinokutendai. Zvese izvi kuti Zimbabwe shall never be a colony again pamusana pei?

Pehondo yakakosha yerusununguko. Kurwa kwatakaita, kumirira kwatakaita, takabatana.

Takabatana varwi verusununguko, uko vana vedu kunze tichivatungamirira.

Vanababa nanamai vachibikira varikuno. Vamwe vachibatwa vachienda kumajere, kumakipi. Vamwe vaivewo mumisangano, political movements dzaisapota.

Vamwe vari vatungamiriri, vamwe vaingotorwa vachinoraswa mumasango.

Saka ndiko kurwa kwatakaita struggle yedu. Ndokusaka tichiti ngaticherechedzei kuti struggle yedu yanga isiri yevanhu vataive navo chete vekunze.

Vekunze vakabatana nevemukati. Ndo zvatakaita.

Zvikanzi makaita sehove dzinoshambira dziri mumvura; ruzhinji rwevanhu ndiyo mvura yenyu imi moshambira muri pakati. Musina ivavo, hondo yenyu haibudiriri.

Nekuti munenge musinaka vanokubikirai, vanokuhwandisai, vanokuchengetai kana makuvadzwa. Vanokurakidzai gwara kuti iri ndiro gwara rakanaka endai nekukuku.

Ndo zvaiita huzhinji hwevanhu, and nemukati vakatambudzikawo zvikurukuru.

Saka tirambe takabatana nekuti ndokwatakabva uku. Asi takanga takabatana tiine leadership yakabatanawo.

Kana vanhu varasika, vapanduka vairangwa tovabvisa.

Kana munhu mukuru wepamusoro arasa gwara zvakaita saSithole takamudonhedza.

Kurasa gwara.

Musangano ukaramba wakabatwa nevachengeti vegwara, gwara reruzhinji.

Gwara rekusatya.

Gwara rekuramba wakaenderera mberi.

Gwara rekuzvipira. Gwara repfungwa dzemberi rakanangana nezvido zvevanhu, ndoratinoda iroro.

Mai Mahoka vambobatabata apa neapa asi tazvinzwa zvavanga vachida kutaura. Ndicho chichemo ichi.

Zvichemo. Vemapaper! Kwazvo, kwazvo veopposition varikutorarama upenyu.

Vari kuti, ah, hatisati tambowana rufaro serwatinarwo rwekuti muZanu-PF varikutukana siku nesikati. Kubvarurana!

Nyaya vamwe vachidzipira kumapaper ikoko kuti ngana ndamuita zvakati, ngana ndazomuita zvakati, sepwere.

Nezuro takambokurukurirana tapedza musangano weCabinet.

Ndikati, izvozvo pasi nazvo. Pasi nazvo.

Kana munhu achinyunyuta kuti ndakanganisirwa nemumwe ari muparty. Gwara tinaro remusangano.

Huya nenyaya yako kumusangano, kwete kuopposition.

Hakusiriko kunogadziriswa nyaya uko.

Kunyadzisa.

Kuzvinyadzisa ikoko kwauri kuita iwe nevamwe.

Usafunge kuti zvawaisa nyaya uko uri kupembedzwa, urikuzvinyadzisa.

Uri kuzvinyadzisa iwe. Urikunyadzisawo vamwe.

Tokunyazisawo. Nyaya hadzinzwaro.

Paitwa kusanzwanana huyai nadzo tigare sezvatichaita nhasi uno paPolitburo dzozeiwa nyaya ipapo kwaakugara.

Pfungwa dzako dziri kupi? Dzako dziri kupi? Toenzanisa. Toona kuti kubva pakuenzanisa kwataita gwara nderipi ratichatora? Ndozvazvinoitwa.

Izvi zvokugara tichishaudhana, shaudhana. Haa, ndaimbogara pamusha paiva nevamwe mai vaiti kana mwana wavo akangouya achichema, oti hiiiii hiiii “Chii chiri kuitwa pano pamusha? Vana vangu havachagara mushe nhai?’’ Haana kumbonzwa kuti mwana chaari kuchema chiiko. Waakuvamba kutuka kare?

Ko, wambonzwa, dzimwe nguva pamwe mwana wako anga atadza, akarohwa nevamwe? Aiwa, aiwa, ah, munongogara muchirova mwana wangu. Aiwa, ndozvatiri kuita izvozvo. Maitiro ekachembere ikaka. Hatidi kudaro tinoda kuti muPolitburo, inhengo dzePolitburo dzandiri kutaura idzi.

Toona zvikonzero zvimwe zvirikuita kuti vanhu vanyunyute nemaitiro edu isu vakuru muparty.

Ndezvipi zvikonzero zvacho?

Zvotaurwaka, tozvinzwa, zvinogadziriswa zvichigadziriswa. Saka ndinoda kukutendai, kukutendesesai ndine urombo kuti kune vamwe varohwa vachitadziswa kuuya.

Mumusangano hatiite vamwe veviolence vanonzi ava ndivo vanorova vamwe.

Aiwa kana ivavo vachitadza vanoudzwazve. Kana Kuprovince ikoko kune gwarazve.

Kana ari madzimai ari kukanganisa, ari kuenda kusingaendwe, tinoti ngavauye munozotongwa kumusangano.

So, vakanga varangana nevamwe kuti vaachazouya kumusangano iwo unowu. Zvino imi manga musingazive izvozvo. Kana mune pfungwa dzenyu dzekuti regai kuenda kumusangano iko, hazvina kunaka.

Saka ndimi munotosungirwa kutongwa imimi. Hazvina kunaka izvozvo.

Saka commissar, you got to know kuti ndekupi nekupi kwaitwa izvozvo.

Ndokutendesesai ndichiti sezvo chimiro chedu chaapamusoro-soro muAfrica, ngatichichengetedzeika.

Chirambe, tirambe takamira ikoko. Zimbabwe! Ukangofamba uchiti ndabva kuZimbabwe. Ah, vanobva vangoti hoo Zimbabwe. Vachiziva kuti iZimbabwe yava pamusoro-soro.

Saka torega kuputsa chimiro chacho.

Vepamusoro-soro, maleaders, toonawo kuti tachengetedza chimiro chacho. Madzimai, hongu, matungamira apo nepapo.

Tazvinzwa, tichaona kuti zvamataura tinozvitora here?

Kunatsiridza chimiro chedu, kubatana mumusangano. Kubatana ndicho chiro chikurukuru. Hwaro hwedu ndohunosungirwa kuva hwaro hwekubatana.

Unity is always the basis of a strong organisation. Kana foundation isina kuitwa zvakanaka, imba inodhirika.

Inodhirika. Muchenje, ehe, muchenje unotsvagirwa chii? Soda! Kwete Gamatox.

Saka, asi moonaka, budai pachokwadi kwete kushaudhana. Asi budai pachokwadi muchinoudza vakuru kuti, ah, chiri kukanganiswa apa ndechichi, ndechichi.

Tive negwara, kwete kuti tive nenyaya dzinobva dzazara pasi rose. Dzazara mumapepa.

Tova vanhu vanoswera vachitaurwa. Chero vanaTsvangirai vaakuti, ah, nyika yaakukanganiswa nemafactional fights ari kuitika muZanu-PF. Taakuonekwa sekunge isu tiri more divided than party yake.

Akutofara nazvo. Asingazive kuti iye haasisina musangano.

Apa nepapo pakwatuka apo, apa, chidimu chadimuka, pangosara chimedu. Changova chimedu. Zvino, ava kuti nechimedu ichocho, ndinganowinner here? Musi uno uyu, akabva angonyara akati, ah, kana VaMugabe vachiripo handifi ndakawinner.

Ko, wangova chimeduka. Saka kukanda zvako mapfumo pasi kuti ah, pangu papera hazvirambidzwe. Hazvirambidzwe!

Hapana anofa asingachererwe guva. Kana iwe unochererwa rakowo mupolitics.

Tine musangano, ndapamhidza madzimai, Mai Mugabe nemadzimai enyu, ndinokukutendesesai nemusangano uno.

Mauronga pachidzimai chaizvo izvo. Kunyange paive nezvikanganiso apa, nepapa, vese vauya pano apa, vauya nehurongwa hwenyu imi madzimai.

Maratidza varume kuti mada imimi kuita chiro. Mabatana, munobuda shudhu. Upon, upon. Apa maita upon upon, yava upon, upon. Aiwa, mandipa rukudzo.

Tinotendesesa, sezvandataura.

Handaikwanisa kugona kuAfrican Union ndisina vakanditsigira, ndisina hwaro hwandinahwo hwandakatsika, ndisina chido chenyu, support yenyu, unity yenyu.

Ngazvirambe zvakadaro, takabatana kudaro, tiine solidarity yakadaro.

Ndoyatinoti solidarity iyoyo. Kubambana sibe abantu banye, tive munhu mumwechete sekunge munhu mumwe chete.

Saka ndinoda zvakare kuti nditi, rambai makadaro madzimai.

Pambili lokubambana! pambili lokubambana! pasi nevasingade kubatana nevamwe.

Ndatenda!

COMMENTS

WORDPRESS: 3
  • comment-avatar
    Tjingababili 8 years ago

    STOP EMBARRASSING THE COUNTRY. RUN IT PROPERTLY IDIOTS!!!

  • comment-avatar
    Mhofu YeWedza 8 years ago

    Great oratory but void of reason Yaa u can jigsaw words but those are empty words words spoken to and accepted only by the stupid. THE Stupid who do not see the reality on the ground that the country has gone to the dogs How would u justify the erosion of the economy to the point of making our great nation a begging bowel You talk about China China serves its own interest old man and protects cronies like u to further it’s interests and were the truth be told u usurped power and led this country to the doldrums 35 years of Chinese dominance where are the industries where are the roads except the exploitation of our minerals miser You can fool those who can be fooled. Matakadya Kate haanyaradze mwana You need to go and let the vibrant rescuitate that which u ruined

  • comment-avatar
    R Judd 8 years ago

    The embarrassment is the party and it’s leader. The best way to stop this is for them all to commit hari kiri. I am sure there would be barely a tear shed